Harare - Tiyambuke International Christian Convention (TICC) 2018 - unova musangano mukuru we Glory Ministries dzinde rawo rinobva mubhaibheri.
Musangano mukuru uyu unozivikanwa pasi rose uchatanga musi wokutanga(1) waGunyana kusvika zuva rechipfumbamwe (9).
Mazuva maviri okutanga akachengeterwa vana kuti vaite madanha avo.
Mavambo Matsva:
Tiyambuke zvinoreva kuyambukira kune rimwe divi kunowana mavambo matsva ne maropafadzo."Tiyambuke zvinoreva kuyambuka kubva mukushaya kuenda kuhuzhinji, kubva mukuva munhu pasina kuenda kuhuremera ne hukuru - kubva mukusatya Mwari kuenda mukutya Mwari",anotsanangura muvambi we Sangano, Apostle Pride Sibiya.
Vana Pamberi:
Tiyambuke yakaguguchira chido nevana naizvozvo vakapihwa mazuva maviri akazara kuti varatidze zvidavado zvavo pama tarenda avakapihwa na Nyadenga .pamazuva maviri aya musi wokutanga newechipiri vabereki vanenge vakagara zvavo vachiona vana vachitungamira pazviitwa zvemazuva aya.![]() |
Tiyambuke 2018 Yakambomira Sei NaApostle Pride Sibiya |
Kuvaka Magamba Edenga:
Tiyambuke 2018 ndiwo mukana usina gwapa kuti ukwanise kusuduruka pauri ipapo pasi pe dindingira -kuvaka magamba edenga - TICC 2018 inoshandura hupenyu hwevatendi. - kubuda ( Exodus) 12:2 ndipo pari kubva dindingira regore rino.zvirokwazvo unofanira kusangana na Mwari mukubudikidza neruponeso rwako kunyangwe ne dzikinuro yako pamusoro pazvo mazwi echiporofita.Midzi Yemubhaibheri:
Dindingira re TICC rakadzika midzi mubhaibheri tichitanga kune Mukweguru Moses achitungamira vana ve Israeri kudarika kungwa tsvuku.Vashanangurwa va Mwari vakayambuka kubva kunzara kuenda kumaguta, kubva mukushaya kuenda kuhuchi ne mukaka.Kubvutwa kwa Elijah umwe muyenzaniso uri pedyo unotsigira mutambo uyu gore negore.
Vatauri
Kubvira pakuvambwa kwayo, TICC inokoka vatauri vemhando yepamusoro.Baba vezvemweya vaApostle Pride Sibiya vanova - Apostle Alexander Chisango vanouya vakaguguchira mharidzo dzine ruomba dzisinga kanganwike.
Nekune rimwe rutivi tina Bishop Abel Sande , Archbishop Asa Gurupira ndiwo mamwe magamba akambouya kuzopa udzamu ku mutambo we Tiyambuke.
![]() |
Tiyambuke 2018 Yakambomira Sei NaApostle Pride Sibiya |
0 Comments